Accessibility links

Breaking News

Mapurisa neMauto Asina Kuvhota Ovhota Musi wa 31 Chikunguru


Zimbabwe republic Police
Zimbabwe republic Police
Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yazivisa kuti mapurisa, mauto, vasori pamwe nevashandi veZEC vasina kukwanisa kuvhota musarudzo dzevachange vari pabasa musi uchaitwa sarudzo dzenyika yose, kana kuti special voting, dzakaitwa musi wa14 na 15 Chikunguru, vachavhota musarudzo dzenyika dzichaitwa musi wa 31 Chikunguru.

Sachigaro veZEC, Amai Rita Makarau, vanoti senzira yekuvharira chitsotsi chekuvhota kaviri, mazita evakakwanisa kuvhota mumazuva maviri aya achadzimwa kubva mumagwaro evavhoti enharaunda achashandiswa musarudzo kana kuti ward voter’s roll.

Vatiwo mazita evese vakavhota pamwe nevakakundikana kuvhota musi wa 14 na 15 Chikunguru ava achaiswa pachena kumahofisi emukuru anoona nezvesarudzo kuitira kuti vanhu vose vanoda kuona vaone.

Asi bato reMDC T rinoti haritambiri danho ratorwa neZEC iri sezvo riri kunze kwemutemo wesarudzo.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti hapana humbowo hwekuti vanhu vangani vakakwanisa kuvhota uyewo kuti vangani vasina kukwanisa kuvhota, izvo zvichazoita kuti pave nechitsotsi chekuvhota kaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG