Accessibility links

Breaking News

Hofisi yeMutungamiri weNyika Inoti Mapato Adzosere Motokari dzeJOMIC


Fila de vehículos todoterreno Grand Cherokee del 2006, uno de los modelos con el desperfecto.
Fila de vehículos todoterreno Grand Cherokee del 2006, uno de los modelos con el desperfecto.
Hofisi yemutungamiri wenyika inoti motokari dzose dzeboka reJoint Monitoring and Impelementation Committee, JOMIC, dziri kushandiswa nenhengo dzemapato ezvematongerwo ari muboka iri dzinofanirwa kuendeswa kuhofisi iyi nekuchimbidza.

Tsamba yakabva kuhofisi yemutungamiri wenyika iyi ichienda kuJOMIC yakanyorwa musi wa 19 Chikunguru nemutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mhofisi yemutungamiri wenyika nedare remakurukota, VaRay Ndhlukula, ichiendeswa kumasachigaro eJOMIC anoti VaNicholas Goche veZanu PF, VaElton Mangoma veMDC T pamwe naAmai Priscilla Misihairambwi-Mushonga veMDC.

Tsamba iyi inoti motokari idzi dzaifanirwa kunge dzasarendiwa kuhofisi iyi kubva nemusi weMuvhuro, 22 Chikunguru.

Hofisi yemutungamiri wenyika inoti yakatora danho iri zvichitevera kuona kwayo kusashandiswa zvakanaka kwedzimotokari nemamwe mapato ezvematongerwo enyika, uye inoti danho iri ndere nguva pfupi rekuda kumisa kusabatwa zvakanaka kwedzimotokari idzi.

Studio 7 yatadza kubata VaGoche kuti tinzwe kana bato ravo riri kuteera chiziviso ichi.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti danho rakatorwa nebato ravo paJOMIC rakatokwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Misihairambwi Mushonga vanoti bato ravo harisi kuzoteerera zviri kubva kuhofisi yemutungamiri wenyika izvi, vachiti hazvisi pamutemo sezvo JOMIC isiri pasi pehofisi iyi, uye motokari idzi dzisiri dzehurumende.

Vanotiwo hazvina musoro sezvo JOMIC iri mushishi kugadzirira kuongorora sarudzo dziri kuitwa svondo rinouya.

Nhengo dzeJOMIC dziri mumatunhu dzisina kuda kudomwa nemazita dzinotiwo mapato matatu aya ari kuita basa rawo muJOMIC semazuva ose, kunyange hazvo Zanu PF yakati yabuda.

JOMIC inonzi yanga ichibatsira zvikuru nekuderedza mhirizhonga panguva ino yesarudzo.

VaMangoma vanotiwo bato ravo harisi kuzoshayiswa hope nedanho iri, sezvo vasina kumbogara pasi semasachigaro eJOMIC kuti vazeye nezvenyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG