Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoshoropodzwa neKunyomba Kwayo VaTsvangirai paZBC


ZBC
Mamwe mapoka ari kushora zvikuru nzira dziri kushandiswa nebato reZanu PF pakutsvaga rutsigiro, zvichitevera zvishambadzo zvebato iri zviri kuburitswa panhepfenyuro dzeZBC neZTV, izvo zvinonzi zviri kunyomba mamwe mapato ari kukwikwidza muhurumende.

Vari kuona pamwe nekunzwa zvishambadzo izvi vanoti Zanu PF iri kunyomba, zvikuru mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nezvehupenyu hwavo, izvo vanoti hazvifanirwe kunge zvichiburitswa panhepfenyuro dzinonzwikwa pamwe nekuonekwa nemhuri.

Mapato ose ari kupinda musarudzo akapiwa mukana wekuisa zvishambadzo zvawo kunhepfenyuro idzi, mukana unonzi nevamwe ndewekuti mapato aya audze vana veZimbabwe kuti chii chaackavaitira.

MDC inotungamirirwa naVaTsvangirai ine zvishambadzo zvinotaura nezvezviri kuvimbiswa nebato iri zvakaita sekumutsiridza nyaya dzeupfumi, kugadzirira vanhu pekugara pakanaka nezvimwe.

Mutauriri webato reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zviri kuitwa neZBC pamwe neZanu PF izvi zviri kunze kwebumbiro remitemo, uye bato ravo rakanyora tsamba dzenyunyuto kuZEC pamwe neZBC.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanotiwo mamwe mapato haasi kuwanawo mukana wekuita sezviri kuitwa neZanu PF, sezvo Zanu PF iri iyo ine masimba pamusoro penhepfenyuro idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG