WASHINGTON DC —
Varimi vegorosi rekudiridzira vanonzi vari kuchemachema nekudzimwa-dzimwa kunonzi kuri kuitwa magetsi nekambani yeZESA, danho ravati richakanganisa goho ravo regorosi iyo yave kutumbuka.
Varimi vakawanda vanonzi vari kuchema zvikuru nedambudziko rekushaikwa kwemagetsi iri, sezvo mbesa dzavo dzanga dzasvika padanho rinonzi rinoda kudiridzirwa kwenguva yakareba.
Varimi vanonzi vanga vachitarisirwa kukohwa matani makumi matatu ezviuru mushure mekurima mahekita anosvika zviuru zvina nemazana mashanu.
Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vanotiwo goho richakanganisika mwaka uno nekuda kwekushaiwa kwemagetsi uku uye kuparadzwa kwemidziyo yekudziridzisa nevarimi vakagariswa patsva.
ZESA inoti dambudziko rekushomeka kwemagetsi riri kukonzerwa nekuderera kwemoto wemagetsi uri kutengwa kubva kunze, nekuda kwekugadziriswa kuri kuitwa gwenya reHydro Cahora Bassa rekuMozambique.
Nyanzvi yezvekurima, VaThomas Nherera vanoti, dambudziko rakatarisana nevarimi iri rikasagadziriswa nekukasika richita kuti zvose zvavakashandisa mukurima zviperere pasina.
Vanotiwo hurumende pamwe nemamwe mapoka anobatsira munyaya dzekurima zvinofanirwa kushanda pamwe kuitira kumutsiridza kurimwa kwegorosi munyika semarimirwo arayiitwa makore gumi akapfuura.