Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanokurudzira Nhengo Dzavo Kuvhotera VaMakoni


VaMakoni naVaTsvangirai
Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri weMavambo Khusile Dawn, MKD, VaSimba Makoni, vachange vachitsigirwa nebato ravo musarudzo yemumiriri weMakoni Central muparamende.

VaTsvangirai vanoti vatsigiri vavo vanofanira kuvhotera VaMakoni, avo vavati ndivo vachange vakamirira bato ravo mudunhu reMakoni Central musarudzo dziri kuitwa musi wa 31 Chikunguru.

Nhengo yeMDC T, VaPatrick Sagandira, ndivo vakanga vasvitsa mapepa avo kudare rinoona nezvesarudzo, reNomination Court.

Asi nekumira kwaita zvinhu zvave kureva kuti havachakwanisa kukwikwidza musarudzo idzi kuitira kupa mukana kuna VaMakoni.

Mushure memusangano uyu, VaTsvangirai vazoenda kunoita mumwe musangano kumusha kwavo kuBuhera West, uko nhengo yebato ravo ,VaJason Mateu, vachakweshana naSenior Assistant Commissioner Oliver Mandipaka veZanu PF pamwe naVaMoses Mutyasira veMDC.

MDC T ine dambudziko revanhu vari kuda kukwikwidza vakazvimirira, zvikuru kuManicaland.

Mudunhu reDangamvura-Chikanga hazvisati zvanyatsozivikanwa kuti ndiyani achamirira MDC T sezvo VaArnold Tsunga pamwe naVaGiles Mutsekwa vose vari kuti vachakwikwidza vakamirira bato ravo.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vavimbisa kuti bato ravo richaona chigaro chekupa VaSagandira kana richinge rakunda musarudzo.

Vanotiwo neChipiri VaTsvangirai vachange vari kuMashonaland East uko vachaita misangano paKotwa kuMudzi, paMutoko Centre, pamwe neMurehwa Centre.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG