Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimira Ogadzirira Kuongorora Sarudzo


Masangano akazvimirira akapiwa mvumo yekuongorora sarudzo anoti atotanga kutumira nhengo dzawo mumatunhu akasiyana siyana emunyika kuitira sarudzo dzichaitwa nemusi weChitatu 31 Chikunguru.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakakoka masangano akazvimirira nevanhu vanoda kuongorora sarudzo pamwe nekudzidzisa vanhu pamusoro pesarudzo, sezvinodiwa nemutemo wesarudzo.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, ZESN, Doctor Solmon Zwana, vanoti sangano ravo riri mushishi kuronga kuti vachaongorora sarudzo vaende mumatunhu avachashandira vari.

Masangano akawanda anosanganisira reNational Constitutional Assembly, NCA, achatumirawo vanhu ari pasi peZESN.

Rimwe sangano rakadai ndereCenter for Community Development in Zimbabwe rinotungamirirwa naVaPhilip Pasirayi, iro rinoti richatumira vanhu makumi matanhatu kunoongorora sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG