Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoshungurudza Nhengo dzeMDC-T kuUzumba?


Vaimirira MDC T musarudzo dzekutsvaga mumiriri weUzumba muparamende, VaPeckson Kazingizi, vanoti masabhuku pamwe nevechidiki veZanu PF vari kumanikidza nhengo dzebato ravo kusarenda nhumbi pamwe nemakadhi ebato ravo senzira yekuti vabviswe pazvirango zvekutambiriswa chikafu kana zvimwe zverubatsiro.

VaKazingizi vanoti nzvimbo dziri kunyanya kunetswa nhengo dzavo dzinoti Mashambanhaka, Chipfunde, Chidodo pamwe nekwaManyika.

Vanotiwo vari kunyanya kushungurudzwa vanhu vaya vakaramba kubatsirwa pakuvhota kana vavaishanda navo mukugadzirira sarudzo.

Vatsigiri veMDC T ava vanonzi vari kuvimbiswa kuti kana vabuda pachena vanozotanga zvakare kutambiriswa chikafu chavanonzi vanga vachinyimwa.

VaKazingizi vakakundwa musarudzo idzi zvakanyanya naVaSimbaneuta Mudarikwa veZanu PF, musarudzo dziri kupikiswa neMDC T ichiti dzakabirwa.

VaKazingizi vanoti vanhu ava vari kubvuma kusarenda nhumbi dzavo nekutya kuitwa zvavakaona zvichiitika mugore ra2008 uye nekuziva kuti hupenyu hwavo huri pamhene sezvo mapurisa asiri kuita zvikuru kuvachngetedza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaMudarikwa varamba kuti kune kushungurudzwa kwevanhu mudunhu reUzumba, vakati mashoko ari kuparadzirwa naVaKazingizi ndeemunhu ane godo rekukundwa musarudzo.

Asi VaMudarikwa vanoti muUzumba mune runyararo rwakanyanya uye vari kuramba vachikurudzira vanhu zvisineyi nekuti ndeve bato ripi, kuitira kuti vagarisane murunyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG