Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoramba Kuti Kune Mhirizhonga Iri Kuitika


Mashoko evakuru ekuti ‘afirwa haatariswe kumeso’ anenge asiri kushanda rwendo rwuno panguva iri kuchema nhengo dzeMDC zvichitevera kukundwa kwebato ravo musarudzo dzavanoti dzakabiridzirwa neZanu PF.

Panguva iyo mhuri yeZimbabwe iri kutarisirwa kunge ichigarisana zvakanaka mushure mesarudzo, dzimwe mhuri dzinonzi dzave kugara mumakomo semhuka dzichitiza misha nekutya kushungurudzwa nenhengo dzebato reZanu PF.

Bato reMDC T rinoti dzimwe nhengo dzaro mumatunhu anoti Mashonaland Central, Mashonaland West, Manicaland nedzimwe nzvimbo, dziri kudzingwa mumisha yadzo dzichipomerwa mhosva yekuvhotera bato iri.

Mumusha weMbare muHarare, zvakabuda musarudzo zvichangobva mukuziviswa, nhengo dzeZanu PF dzakabva dzangotanga kuburitsa vatsigiri veMDC mudzimba dzavaigara.

Kunyange hazvo mapato ose aikurudzira vanhu kuti vasiyane nemhirizhonga munguva yegadziriro yesarudzo pamwe nezuva resarudzo racho, hapana zvizhinji zviri kuitwa nemapato aya mukudzivirira mhirizhonga sarudzo dzapfuura.

Mapato akakwikwidza musarudzo, zvikuru eZanu PF neMDC T ari kunakurirana nyoka mhenyu, Zanu PF ichiramba kuti nhengo dzayo dziri kupfuvisa nhengo dzeMDC.

Asi mubvunzo uripo ndewekuti chii chiri kuitwa nebato iri mukuyeuchidza nhengo dzaro kuti dzipembere dzichinyaradza vakadyiwa musarudzo, kwete kuwedzera kurwadziwa kwavo nekuvashungurudza.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, nhengo dzavo dziri kuramba dzakanyarara sezvo bato ravo risingade zvemhirizhonga uye richikurudzira runyararo.

VaMwonzora vanotiwo Zanu PF inofanirwa kutora mukana uno nekuudza nhengo dzayo kuti dzigarisane nevakakundwa musarudzo.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti zviri kutaurwa nebato reMDC T wangove mugariro wekungochema pasina zvaraitwa kuitira kuti rinzwikwe nenyika dzekunze.

VaGumbo vanoti bato ravo rakabvunza mapurisa kana paine nyaya dzemhirizhonga dziri kumhan'arwa asi mapurisa akaramba kuti izvi zviri kuitika, vachitiwo mutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, vagara vachishoropodza mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG