Accessibility links

Breaking News

Masabhuku Otyisidzira Vanhu Kuti Vavhotere Zanu PF?


Masabhuku nemadzishe anonzi ari kuudza vanhu kuti vatange vaungana pamisha yavo vasati vaende kunovhota nemusi weChitatu.

Izvi zvinonzi zviri kuitika kuMashonaland Central mumatunhu anosanganisira Rushinga neMuzarabani.

Zviri kunziwo nhengo dzeMDC T dzinozivikanwa dzinofanirwa kuti hadzikwanise kunyora kuitira kuti dzipiwe vanhu vanozodzinyorera pamagwaro ekuvhotera. Izvi zvinonzi zviri kuitikawo kuMashonaland West.

Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC T kuMashonaland West, VaWilson Makanyaire, vanoti masabhuku anoti Kamutsamombe naKatemanyoka pamwe nemadzishe anoti Dandawa naMatawu vari kuitawo zvimwe chetezvo.

Zvinonzi masabhuku ose aya ari kuvimbisa vanenge vasina kutevera izvi kuti vacharangwa kana sarudzo dzapera.

KuHurungwe West, Zanu PF inonzi yaita musangano ichitysidzira vanhu pamusoro pemavhotero avo.

Vechidiki vebato iri vanonzi vaudzwa kuti vamukire neChitatu mangwanani kunotinha vanhu kuti vaende kunovhota.

KuKotwa, Mutoko, Uzumba nemamwe matunhu eMashonaland East, Manicaland nedzimwe nzvimbo dzeMasvingo, masabhuku ari kunzi ari kutyisidzira vanhu.

Asi mutemo wesarudzo unoti kana munhu asingagoni kunyora kana kuverenga anofanirwa kusarudza ega munhu anomunyorera.

Mumwe mutsigiri weMDC T kuMashonaland Central, VaNever Nyamasvisva, vanoti vanhu havafanirwi kutyisidzirwa nemasabhuku sezvo vhoti iri kodzero yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG