Accessibility links

Breaking News

MDC T Yokwidza kuJOMIC Nyaya yeMhirizhonga kuMashonaland Central


MDC T muMashonaland Central inoti yanyorera JOMIC tsamba ichinyunyuta nekuoneswa chitsvuku kwainoti kuri kuitwa nhengo dzayo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Bato iri rinoti mutambo wenhabvu waranga raronga kuMvurwi wakanganiswa nenhengo dzeZanu PF vanosanganisira vakarwa muhondo yerusununguko.

Bato iri rinoti zvakare imwe nhengo yaro kuSaint Alberts, kuMount Darwin, iri pachipatara cheSaint Alberts mushure mekurwiswa nevatsigiri veZanu PF.

Sachigaro weMDC T mudunhu iri, uye vari mumwe wemasachigaro eJOMIC mudunhu iri, VaGodfrey Chimombe, vanoti imba yenhengo yebato ravo iri kuda kukwikwidza musarudzo, Amai Faith Musarurwa, yakaputswa mukupera kwesvondo nevari kunzi vatsigiri veZanu PF, avo vanonzi vari kubvarurawo maposita emisangano yeMDC T.

VaChimombe vapomerawo bato reZanu PF mhosva yekumutsiridza zvakare makamba ekushungurudzira vanhu munzvimbo dzakawanda mudunhu iri dzinosanganisira Chaona, Nzvimbo nekuMazowe Central.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hatina kukwanisa kubata munyori wemisangano muZanu PF mudunhu iri uye vari mumwe wemasachigaro eJOMIC, VaEverson Tauro, kuti tinzwe divi reZanu PF panyaya iyi.
XS
SM
MD
LG