WASHINGTON DC —
Zvichitevera ongororo munyaya dzechikafu munyika yakaitwa nesangano reWorld Food Program, WFP, richibatsirana nehurumende, iyo yakati nyika yakatarisana nenzara inotyisa, pave nekutyirwa kuti dambudziko iri rinogona kukurisisa zvichitariswa hukama hwehurumende iri kuuya yeZanu PF nemasangano pamwe nenyika dzekunze dzinopa rubatsiro rwechikafu.
Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kana zvinhu zvakashanduka kubva pahukama hwaivepo munguva yehurumende yemubatanidzwa nenyika dzinopa rubatsiro, nehurumende yebato reZanu PF yavepo, zvinhu zvichatonyanya kuipira veruzhinji.
Nyanzvi idzi dzinotiwo masangano nenyika idzi zvaipa hurumende yemubatanidzwa rubatsiro zvakarerekera kumapato eMDC, kwete Zanu PF, sezvo mapato aya ainonekwa seaasina huori.
Asi vamwewo vanoti mamwe masangano ekunze ave nemaonero matsva pabato reZanu PF, sezvo ave kuratidza kunyevenutsa nzira dzekutaudzana nehurumende iri pasi pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nekubviswa kwezvimwe zvezvirango zvakanga zvakatemerwa vamwe muZanu PF.
Rimwe remasangano anopa Zimbabwe rubatsiro, reEuropean Union, pamwe nedzimwe nyika dzekumawirira ndevamwe vevanhu vari kushora zvikuru mafambisirwo akaitwa sarudzo dzakapinza Zanu PF muhurumende.
Ongororo yeWFP iyi inoti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nemazana maviri ezviuru, zvikuru kumaruwa, ndivo vanoda chikafu nekuchimbidza.
Zimbabwe haina kukohwa zvakanaka gore rino sezvo vanhu vakawanda vakashaya mbeu nefoterza, vamwewo vakanga vadyara mbesa dzavo, dzakaparadzwa nemvura yakanayisa mudzimwe nzvimbo, asi dzimwe nzvimbo dzinonzi dzakashayawo mvura yakakwana, zvikuru mumatunhu ari kuchamhembe kwenyika.
Asi mukuru werimwe remasangano anobatsira nechikafu, reChristian Care, Reverend Stanslous Chatikobo, vanoti havaoni nyika dzekunze idzi pamwe nemasangano anobatsira akaita seEuropean Union nemamwe vachideredza kana kumisa rubatsro rwavo sezvo vagara vachibatsira kubva kumakore a1980 paingotonga hurumende yeZanu PF.
Zimbabwe iri kutarisirwawo kutenga chibage kubva kuZambia senzira yekurerutsa dambudziko rechikafu iri.