Accessibility links

Breaking News

MDC T Inoti Haiwirirane neGurukota reHarare Amai Chikukwa


City of Harare
City of Harare
MDC T inoti haiwirane nemashoko akataurwa negurukota rebazi idzva rakaumbwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, redunhu reHarare muhofisi yemutungamiri wenyika, Amai Miriam Chikukwa, ekuti kanzuru yeHarare inofanirwa kutevera zviga zveZanu PF, kwete kuita zvainoda mukufambisa basa reguta guru iri.

MDC T inoti Amai Chikukwa havafanirwe kunge vachitaura mashoko akadai, uye semaonero ayo, havana kusarudzwa zviri pamutemo.

Kanzuru yeHarare iri pasi pameya webato reMDC T. Bato iri rinoti pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika, meya nekanzuru yake ndivo vanoronga kuti vanoshanda sei vachishanda pamwe nevagari.

Bepanhau reNewsDay rinoti Amai Chikukwa vakataura mashoko aya pamabiko avakaitirwa nesangano revechidiki, reZimbabwe Youth Council, mukupera kwesvondo.

Asi gurukota rezvematunhu mubato raVaTsvangirai (shadow local government minister), VaSesel Zvidzai, vanoti chinofanirwa kutanga chacherechedzwa ndechekuti ivo Amai Chikukwa vakasarudzwa zviri kunze kwemutemo uye kuti bumbiro remitemo idzva rinofanirwa kuteverwa.

VaZvidzai vanoti bato ravo richarwisa danho rekuti Zanu PF ipindire mukufambiswa kwemakanzuru emaguta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 yakundikana kubata Amai Chikukwa kuti tinzwe divi ravo.

Gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vaigara vakanetsana nemakanzuru anenge ari pasi peMDC-T muhurumende yemubatanidzwa.

Zvichitevera zvakabuda musarudzo, izvo MDC-T inoti haisi kuszvitambira, hurumende yeZanu PF yakatobuda pachena kuti icharamba kutambira zvinhu zvinenge zvichiitwa neMDC-T mumakanzuru zvainenge isingawirirane nazvo.
XS
SM
MD
LG