Accessibility links

Breaking News

MDC T Yosarudza Vakakodzera Kuve Mameya eMaguta


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Makunzuru emunyika anonzi ari mubishi rekugadzirira sarudzo dzekutsvaga mameya achange achitungamira maguta nemadhorobha, pamwe nemasachigaro emakomiti emakanzuru.

Bato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinotiwo riri mushishi yekutsvaga vanhu vangangokwikwidza zvigaro zvemameya emumaguta arakahwinha anoti Harare, Chitungwiza, Bulawayo, Mutare, Masvingo, Gweru, nemamwe.

Bato iri rakakunda mumaguta nemakanzuru gumi nemashanu emunyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuZanu PF kuti iri kuronga zvipi panyaya yemameya emaguta. Zanu Zanu PF yakakundawo mumadhorobha madiki, uye makunzura mazhinji ekumaruwa ari mumaoko eZanu PF.

Kana yasvika nguva yekuita sarudzo idzi, vanyori vemaguta vanonzi vachazivisa makanzura emaguta nemadhorobha avo kuti vadome vanhu vavanoda kuti vaitwe mameya.

Pakashaya mamwe mapato anoda kukwikwidzawo pazvigaro izvi mumaguta ari pasi peMDC T, vanenge vasharwa nebato ava ndivo vanobva vangotora zvigaro zvacho, vobva vatoreswa mhiko.

Vakadomwa nebato iri kuti varimirire bato mumaguta aya vanoti VaObert Gutu muHarare, VaIsaac Manyemba kuChitungwiza, VaBrian James kwaMutare, VaCharles Chikozho kuGweru naVaDavid Charirwe kuMasvingo, ukuwo Bulawayo haisati yapedzwa nezvayo.

Asi hutungamiri hweMDC-T hwakabuda huchiti hausi kuzotambira zvokuisirwa munhu kuti ave meya, asi kuti makanzura achagara pachawo ega otsvaga munhu anokodzera kuva meya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weMDC-T muManicaland, VaPishai Muchauraya, kana hutungamiri hwedunhu huri iho hwakadoma VaJames, avo vaimbove meya weguta vasati vadzingwa pabasa negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo.

Vari kutungamira hurongwa uhwu uye vari munyori wezvematunhu muMDC T, VaBlessing Chebundo, vanoti hutungamiri hwebato ravo ndihwo hwaitarisa kukodzera kwevakabudirira kudomwa ava kubva muvanhu vakaisa mazita avo vachidawo kukwikwidza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG