Accessibility links

Breaking News

Paramende Itsva Yovhurwa Paine Makakatanwa muMDC Inotungamirwa naVaNcube


Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube dzinonzi hadzisi kuzosiya munyori mukuru webato iri, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga vachitoreswa mhiko yekuva nhengo inomirira Matabeleland South muparamende neChipiri.

Nhengo idzi dzinoti dzakazivisa mutungamiri webato iri VaNcube dzichiti munhu anobva kuMatabeleland South ndiye anofanirwa kutoreswa mhiko.

Nhengo dzebato iri mudunhu reMatabeleland South dzinoti VaMoses Mzila Ndlovu, VaSiyabonga Malandu Ncube naVaPatrick Dube dzinonzi dzakasangana naVaNcube neChina chapera dzichivaudza nezvekusataimbra kwadzo kwadzinoti kuisirwa munhu wadzisingade.

VaMalandu Ncube vanoti dunhu ravo reMatabeleland South rine vanhu vakadzidza vakawanda chose vanogona kutora basa racho. Vanotiwo bato ravo rinotaura nezvegutsaruzhinji, asi risingazozvitevera.

Mutauriri webato iri, VaNhlanhla Dube, vanoti havasati vanzwa nezvedanho iri, asi vati nepasvika nguva, havaoni zvichiita kuti Mai Misihairambwi-Mushonga vatadze kutoreswa mhiko.

Mai Misihairambwi-Mushonga ndemumwe wevadare vakapinda pasi pehurongwa hwekuchengeterwa zvigaro kwemadzimai sezvinodiwa nebumbiro idzva remitemo yenyika. Bato iri rine nhengo ina dzichange dziri mudare reparamende neseneti.

Bato iri ratiwo nhengo dzaro ina idzi dzichapinda mune zvose zvichange zvichiitika mudare reparamende neChipiri, kubva mukutoreswa mhiko kwenhengo dzeparamende kusvika pakuvhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Zvichakadaro, bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti richamira nedanho raro rekusavepo pachavhurwa paramende yechisere nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugage, neChipiri.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti nhengo dzebato ravo dzakasarudzwa sevamiriri veparamende neseneti dzichatora mhiko dzadzo neChipiri asi dzisingazomirira kunzwa VaMugabe vachitaura pakuvhura kwavo zviri pamutemo paramende.

VaMwonzora vanoti bato ravo rakatora danho iri senzira yekuramba kwaro kutambira kuti VaMugabe ndivo vakakunda musarudzo, idzo dzinonzi nebato reMDC T dzakabiridzirwa zvemhando yepamusorosoro.

VaMwonzora vanoti nhengo dzavo hadzisi kuzovevo nechekuita nekusharwa kuchaitwa vatauriri vematare eparamende neseneti nevatevedzeri vavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF kuti richatora seyi kuramwa kweMDC huru uku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG