Accessibility links

Breaking News

Vanorima Fodya Vovhiringwa neMvura Yanetsa Kuwana


Varimi vefodya vekumaruwa vakawanda vanonzi vakanyoresawo kurima fodya mwaka uno
Varimi vefodya vekumaruwa vakawanda vanonzi vakanyoresawo kurima fodya mwaka uno
Apo varimi vefodya yekudiridzira vari mushishi kutimbikira nhondo dzefodya yavo kubva kutanga kwemwedzi uno, varimi vakawanda vari kutyira kuti fodya yavo ichafa mvura yemudenga isati yaturuka nekuda kwekushaikwa kwemvura yekudiridzira.

Mumwe murimi akagariswa patsva kuMvurwi kuMashonaland Central, VaGodfrey Hakunamutsa, vanoti dambudziko guru ravakatarisana naro ndere kushaikwa kwemagetsi ekushandisa pakudiridzisa fodya yavo panguva ino yekutimbikirw kwefodya, nekuda kwekudzimwadzimwa kwaari kuitwa nekambani yemagetsi, yeZESA.

VaHakunamutsa vanoti vari kutopona nemvura yezvibhorani kudiridza mbesa dzavo, asi nekuda kwenhamo yemagetsi, zvinhu zviri kuvaomera.

Vamwe varimi mune dzimwe nzvimbo ndivo vari kuchemawo nekuderera kwavati kwaita mvura iri mumadhamu avo, izvo zvave kuita kuti vamire nemvura yemuzvibhorani.

Murimi mukuru, VaCarver Mapungwana, vanotiwo kufa kuri kuita nhondo dzevarimi vazhinji kuchaita kuti goho refodya riderere panosvika nguva yekukohwa gore rinouya.

Varimi vanodarika zviuru makumi masere vanonzi vakanyoresa kuti vacharima fodya mwaka uno, makumi maviri ezviuru vari varimi vatsva, zviuru gumi nezvitatu vari varimi vekumaruwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG