Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoronga Nzira Dzekuona Mashandiro eNhengo Dzayo dzeParamende


Zanu PF inoti ichaumba makomiti achaongorora magwaro enhengo idzi
Zanu PF inoti ichaumba makomiti achaongorora magwaro enhengo idzi
Bato reZanu PF rinoti riri mushishi kuronga nzira yekuti nhengo dzaro dzedare reparamende dzipote dzichiratidza zvadziri kuita mumatunhu adzinomirira kuburikidza nekunyora magwaro mushure memwedzi mina yoga yoga.

Sachigaro webato iri, VaSimon Khaya-Moyo, pamwe nemutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vatenda vose kuStudio 7 kuti bato ravo rine hurongwa hwakadai, kunyange hazvo vati huchiri kuzeyiwa.

Aka hakasi kekutanga Zanu PF ichiti ine hurongwa hwekuti nhengo dzayo dzeparamende dziratidze kuti dziri kushanda sei mumatunhu adzinomirira, asi pasina kuzoteverwa kwehurongwa uhu.

VaKhaya Moyo vakaudzawo bepanhau reHerald kuti panenge paine zvikwata zvichaumbwa kubva mubato iri zvinenge zvichizoongorora magwaro anenge anyorwa nevamiriri ava kuti zvionekwe kana zvavanenge vanyora chiri chokwadi chezvavari kuita mumatunhu avanomirira.

Asi vaive mukokeri wenhengo dzeMDC T muparamende yakapera, VaInnocent Gonese, vanoti uku kutaura chete kweZanu PF, sezvo isingazotevedzeri zviga zvayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG