Accessibility links

Breaking News

Boka reJOMIC Rosvika kwaMvura Yacheka Makumbo


Zimbabwe
Hupenyu hweboka reJOMIC hwazosvika kumagumo zvichitevera danho rakatanga kutorwa nevamwe vashandi vesangano iri kutanga neMuvhuro rekudzosera motokari nemimwe midziyo zveboka iri zvavanga vachishandisa kumuzinda weJOMIC uri kuAvondale muHarare.

JOMIC yakanga yaumbwa pasi pebumbiro rekare munguva yehurumende yemubatanidzwa, asi isiri mubumbiro idzva iro rave kushanda munyika.

Mutauriri weJOMIC, VaJoram Nyathi, vatenda kuStudio 7 kuti vamwe vashandi vakatotanga kudzorera dzimotokari kubva neMuvhuro, vachiti idanho richaitwa muzvidimu kusvika kupera kwemwedzi unouya.

Vane ruzivo nezvenyaya iyi vati svondo rapera vakuru vemapato eMDC ari maviri vakasangana nechikwata cheZanu PF chaitungamirwa nemunyori anoona nezvemabasa, VaDidymus Mutasa, vachiedza kuona kuti JOMIC iregwe ichienderera mberi.

Asi zvinonzi VaMutasa vakati vanoda kutanga vanonzwa kumukuru wavo, vanowe mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mumwe wemasachigaro eJOMIC, vari veMDC T, VaElton Mangoma, vati pane hurongwa hwekuti basa rakanaka riri kuitwa neJOMIC riendeswe pasi pemubatanidzwa wevanyori vakuru vemapato ari muparamende, weSecretary Generals’ Platform.

VaMangoma vatiwo vamwe vashandi vachasara vachipedzisa basa nekunyora magwaro emashandiro akaitwa neJOMIC pamwe nezvamafambiro akaita sarudzo dzichangobva kuitwa.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG