Accessibility links

Breaking News

Media Alliance of Zimbabwe Yozeya Mamiriro Akaita Zvinhu Mukutorwa kweNhau


Sangano remubatanidzwa wemasangano enhau emunyika, reMedia Alliance of Zimbabwe, MAZ, raita musangano waro mukuru wepagore wezuva rimwe chete wekuzeya hwaro hwezvenhau munyika kwekore mashanu ari kutevera.

Musangano uyu, uyo waitirwa muHarare, wapindwa nemasangano pamwe nevanhu vanodyidzana neMAZ.

Musangano uyu, uyo waitwa pasi pedingindira rinoti “Zimbabwe’s Media; The Next Five Years, Democratisation and Expansion’’, unonzi wakurukura pamwe nekutarisa zvakawanda zvinosanganisira bumbiro idzva remitemo yenyika, kodzero dzevanhu, mitemo inobata nyaya dzenhau nezvimwe zvakadaro.

Vataura pamusangano uyu vanosanganisira vemapato ezvematongerwo enyika vabva kuZanu PF neMDC T pamwe nenyanzvi munyaya dzenhau.

Vanga vachironga musangano uyu, Muzvare Patience Zirima, vanoti musangano wavo wabudirira zvikuru, uye wabatabata zviri kukanganisa masangano ezvenhau.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG