Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vanoti vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanasikana vari kubata pamuviri vasati vabva zera.
Paita ropa rakaipa pakati pameya weHarare VaBernard Manyenyeni nevakafanobata chigaro chemunyori mukuru weguta amai Josephine Ncube panyaya yezvikwereti zvine vagari, hurumende uye makambani akazvimirira kukanzuru.
America inoti hurumende yeZimbabwe kuburikidza nemapurisa, vasori nemauto iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu munyika. Izvi zviri mugwaro richangobuditswa nebazi reState Department rinoongorora nyaya dzekodzero dzevanhu rinonzi State Department Human Rights Report 2016.
Bazi reUnited Nations re United Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs kana kuti OCHA ratenda kuti iro nevehurumende yeZimbabwe vari kutatarika kuunganidza mari iri kudiwa kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.
Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano nevatori venhau muHarare vakakurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo nemabatirwo esarudzo kana kuti yogadzirira kuratidzira kwakasimba kubva kubato ravo.
Magweta esangano revarwiri vehondo yerusununguko veZimbabwe National Liberation War Veterans Association vanyorera mapurisa tsamba vachida kuziva chikonzero chiri kupa kuti vavarambidze kuita musangano kuCity Sports Centre muHarare nemusi weChishanu.
Mushure mekukandirana makobvu nematete kwemwedzi yakawanda hurumende yakazotenderana nevashandi vayo kuti yave kuzobhadhara mari dzemabhonasi egore rapera.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vafumobata jongwe muromo vakananga kuGhana kumhemberero dzechimakumi matanhatu nyika iyi yawana kuzvitonga kuzere.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChitatu vakasimuka munyika vakananga kuSingapore uko vanonzi vari kuenda kunoona vanachiremba vavo.
Mubatanidzwa wemapato anopikisa weNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA unoti uri kuzoratidzira muharare musi wa 22 Kurume sezvo usiri kufara nedanho rehurumende rekuti yave kuda kutenga michina yekunyoresa vavhoti.
Murwiri wekodzero, VaItai Dzamara, avo vakapambwa muna Kurume 2015 nevanofungidzirwa kuti vasori, vapihwa mubayiro nesangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International.
Mukupera kwesvondo, dunhu reMasvingo rakanaya mvura isati yaonekwa kwemakore anosvika zana.
Gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende, Amai Prisca Mupfumira, vanoti nhaurirano dzichiri kuenderera mberi pakati pehurumende nevashandi vayo kunyange hazvo vamwe vashandi vatanga kuramwa mabasa vamwe vachiti vachatangawo kuratidzira svondo rinouya.
Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vashora zvikuru mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemashoko avo ekuti havasi kuzosiya chigaro.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nhasi vaita mabiko ekupemberera bhavhudhe ravo rechimakumi mapfumbamwe nematatu kuMatopos Junior School mudunhu reMatabeleland South.
Mapurisa muHarare nhasi asunga nekurova nhengo pfumbamwe dzinorwira kodzero dzevanhu kusanganisa Muzvare Lynda Masarira dzange dzichiratidzira kuchipatara cheParirenyatwa muHarare nemusi weMugovera.
Zvinhu zvinonzi zvakaita manyama amire nerongo kuSouth Africa zvikuru muPretoria zvichitevera kurwisana kunotyisa pakati pezvizvarwa zveSouth Africa nezvekune dzimwe nyika dzakaita seZimbabwe, Somalia ne Nigeria.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChipiri vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu zvichireva kuti pavatungamiri venyika vose vepasi rino ndivo vanyanya kukwegura.
Bhavhudhe raVaMugabe rinosvika panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika, uye vanhu vakawanda vasina mabasa.
Zvirango izvi zvakatanga kutemerwa Zimbabwe muna 2002.
Rodhai zvimwe