Accessibility links

Breaking News

UN neZimbabwe Dzounganidza Mari yeKubatsira Vakabatwa neMafashamu


Bazi reUnited Nations rinoona nezverubatsiro reOffice for the Coordination of Humanitarian Affairs, kana kuti OCHA, ratenda kuti iro nevehurumende yeZimbabwe vari kutatarika kuunganidza mari iri kudiwa kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

VeUnited Nations neZimbabwe vakwanisa kuunganidza mari inosvika mamiriyoni gumi nemana chete kana kuti $14m pamari inosvika mamiriyoni zana emadhora iri kudiwa kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.

Vanhu mazana maviri nemakumi mana nevatanhatu vakafa uye vanhu vanodarika zviuru zviviri havasisina pekugara.

Zvikopopokopo zveAirforce of Zimbabwe zviri kushandiswawo kubatsira vamwe vanhu vakawirwa nedambudziko iri misha yavo ikasara iri zvitsuwa kana kuti isisasvikike nekuda kwemvura.

Mari iyi iri kudiwa kugadzira zvivakwa zvakaputswa nemvura kusanganisa migwagwa, mazambuko, zvikoro, makirinika nezvimwe. Hurumende iri kushanda neUnited Nations kuyedza kuunganidza mari iyi. Matunhu makumi mana nemashanu pamatunhu makumi mashanu nemapfumbamwe akawirwa nedambudziko iri.

Mumashoko kuvatori venhau OCHA yati ichasimbaradza kubatsira vanhu ava uye vari kuenderera mberi ichitarisa vanoda ribatsiro.

Gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Amai Prisca Mupfumira, vatsinhira kuti vehurumende neUnited Nations vari kusimbaradza hurongwa hwekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura zvikuru kuMatabeleland, Masvingo, Midlands nemamwe matunhu.

Hurukuro naAmai Prisca Mupfumira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG