Accessibility links

Huwandu hweVanasikana Vari Kuita Nhumbu Hworamba Huchikwira

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanasikana vari kubata pamuviri vasati vabva zera.

Izvi zvakabuda muongororo yakaitwa nehurumende nesangano re Zimbabwe National Family Planning Council ne United Nations Population Fund.

Ongororo iyi yakanangana nekugadzirisa zvinhu kubva muna 2016 kusvika muna 2020.

Dr Parirenyatwa vanoti ongororo iyi yakaburitswa kuti vanasikana zvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana vevana vari pakati pemakore gumi mashanu negumi nemapfumbamwe vakabata pamuviri.

Mumiriri weUNFPA Zimbabwe, VaCheikh Cisse, vanoti sangano ravo rakazvipira kushanda nehurumende yeZimbabwe kugadzirisa dambudziko iri.

Dunhu reMashonaland Central ndiro rine vanasikana vakawandisa vanoroorwa vasati vabva zera kana kubatira pamuviri.

Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nedzimwe tsika dzechinyakare, zvimwe zvitendero zvinoita kuti vanhu varoorwe vasati vabva zera uye nyaya yehurombo hwatekeshera nenyika.

Nyanzvi munyaya dzehutano hwevana kana kuti Adolescent Sexual Reproductive Health Specialist, Amai Tamisayi Chinhengo, vati ongororo iyi yakaitwa nemubatanidzwa wemasangano akawanda nehurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG