Accessibility links

VaChinotimba naVaMahiya Votatsurana Musangano weVakarwira Rusununguko

  • Blessing Zulu

Magweta esangano revarwiri vehondo yerusununguko veZimbabwe National Liberation War Veterans Association vanyorera mapurisa tsamba vachida kuziva chikonzero chiri kupa kuti vavarambidze kuita musangano kuCity Sports Centre muHarare nemusi weChishanu.

Musangano uyu wakanangana nekuzeya mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi uye zvichemo zvakawanda zvevarwiri vehondo yerusununguko.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati titaure naAssistant Inspector Tarirai Dube mutauriri wedunhu reHarare.

Asi VaDube havana kudaira nharembozha yavo.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vanoti vakuru veZanu-PF kusanganisa mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, havasi kufara nekuti vakarwa hondo yerusununguko ava vari kuronga kubuda pachena kuti havasi kufara nematongero aVaMugabe.

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera tabatawo, VaJoseph Chinotimba, avo vaimbova mutevedzeri wasachigaro wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association,avo vati havawirirane naVaMahiya nevamwe vavo vachiti vari kupedzera hoko padehwe retisndi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG