Accessibility links

Vabvakure Vorwiswa Zvinotyisa muSouth Africa

  • Blessing Zulu

A vigilante mob attacks a Nigerian migrant outside a church in Pretoria, South Africa, Feb. 18, 2017.

Zvinhu zvinonzi zvakaita manyama amire nerongo kuSouth Africa zvikuru muPretoria zvichitevera kurwisana kunotyisa pakati pezvizvarwa zveSouth Africa nezvekune dzimwe nyika dzakaita seZimbabwe, Somalia ne Nigeria.

Zvimwe zvitoro zvezvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zvaputswa nekubiwa.

Mhirizhonga iyi yakamboitikawo kuJohannesburg mazuva mashoma apfuura.

Vakafanobata chigaro chemukuru wemapurisa muSouth Africa, VaKhomotso Phahlane, vaudza vatori venhau kuti kuratidzira kwange kwakarongwa nezvizvarwa zveSouth Africa kwazoguma kwaita mhirizhonga zvapa kuti mapurisa akande hutsi hunokatyidza nekuridza pfuti dzemabara erhabha.

Vati vasunga vanhu vanodarika zana nemakumi matatu kubva neChina.

Mapurisa ange ati kuratidzira uku kusaenderere mberi nekutyira mhirizhonga. Zvizvarwa zveSouth Africa zvange zvichida kufora zvichienda kuhofisi yebazi rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, kuMarabastad Refugee Centre yave kunzi Desmond Tutu Refugee Reception Centre, vaine bepa rezvinyunyuto.

Vanhu vemuSouth Africa vanoti zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri kuvatorera mabasa, madzimai avo uye kutengesa zvinodhaka nekukurudzira mabasa ehupfambi.

Asi vamwe vekunze ava vanoti zvose izvi ndezvemugotsi matsuro.

Zvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinosvika mamiriyoni mashanu zvinogara muSouth Africa umo mune vanhu mamiriyoni makumi mashanu.

Hurumende yeNigeria yakanyora tsamba yenyunyuto kuSouth Africa ichiti mhirizhonga inofanira kumiswa.

Asi hurumende yeZimbabwe haina chayati yataura.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Exiles Forum, Amai Diana Zimbudzana, vanoti vambotenderera muPretoria vachiona zvenge zvichiitika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG