Accessibility links

Breaking News

Muzvare Masarira neVamwe Vosungwa neKurohwa Vachiratidzira Kushora Mabiko eBhavhudhe reVaMugabe


Mapurisa muHarare nhasi asunga nekurova nhengo pfumbamwe dzinorwira kodzero dzevanhu kusanganisa Muzvare Lynda Masarira dzange dzichiratidzira pachipatara cheParirenyatwa.

Vasungwa nekurohwa ava vange vachiratidzira vachiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaisafanira kuita mabiko zvinhu kuzvipatara zvisina kumira zvakanaka.

Muzvare Masarira nevamwe vavo vange vachiti zvange zviri nani kuti mari inodarika mamiriyoni maviri inonzi iri kushandiswa kubhavhudhe raVaMugabe yashandiswa hayo kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa kuzvipatara uko kusina mishonga. Vanachiremba vari kuramwawo mabasa nyika yose vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa uye mashandiro avo.

Vanhu ava vari kumirirwa negweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaSharon Hofisi. Vasungwa ava vari kuHarare Central Police Station kuLaw and Order.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG