Accessibility links

VaMugabe Vanosvitsa Makore Makumi Mapfumbamwe neMatatu

  • Blessing Zulu

Zimbabwe's President Robert Mugabe cuts his birthday cake as he marks his 93rd birthday at his offices in Harare, Tuesday, Feb. 21, 2017. Mugabe described his wife Grace, an increasingly political figure, as "fireworks" in an interview marking his 93rd bi

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu.

VaMugabe vakaberekwa musi 21 Kukadzi mugore ra 1924.

Bhavhudhe raVaMugabe rinosvika panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika, uye vanhu vakawanda vasina mabasa.

Vachitaura neZBC pamberi pezuva rekuzvarwa kwavo, VaMugabe vakataura pamusoro pezviri kuitika mubato ravo, umo mune kurwisana pamusoro pekuti ndiyani achavatsviva kana vabva pachigaro.

VaMugabe vakataurawo pamusoro pevanhu vari kuti vakwekugura, nokudaro vanofanirwa kusiya basa.

Asi VaMugabe vanoti vachiri njanji chaiyo pakusimba.

VaMugabe vakatorawo mukana uyu kutaura pamusoro pezvirango zvakatemerwa nyika ne America, vakati vanovimba kuti mutungamiri mutsva we America, Va Donald Trump, vachabvisa zvirango izvi nekupindana kwenguva.

Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vanoti VaMugabe vanofanira kukorokotedzwa nekutungamira zvine hungwaru pazuva ravo rebhavhudhe ravo.

Asi vanopikisa munyika vari kuti VaMugabe vave kuchifanira kuenda pamudyandigere.

Mabiko ebhavhudhe raVaMugabe achaitwa paRhodes Estate Preparatory School kuMatopos, mudunhu reMatabeleland.

Nzvimbo iyi iri chinhanho makumi maviri emakiromita kumadokero kwakadziva kuchemhembe kweguta reBulawayo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG