Accessibility links

Breaking News

Ko Mari yeBhonasi Ichabva Kupi Kana Hurumendi Ichiti Haina Mari?


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Mushure mekukandirana makobvu nematete kwemwedzi yakawanda hurumende yakazotenderana nevashandi vayo kuti yave kuzobhadhara mari dzemabhonasi egore rapera.

Asi kuti mari iyi ichabva kupi ndiyo yave gangaidzwa mhezi yavavira mudumbu kugurukota rezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa.

VaChinamasa gore rapera vainge vambotsika madziro kuti hapana mari yebhonasi asi vakabva vazvikanda mukanwa mamupere sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati mushandi anofanira kubhadharwa.

Asi mari yacho inobva kupi kana hurumende ichiti haina kana kobiri uku kuna VaChinamasa huri hurombo hwenherera kupakwa ichirutsa.

Gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende, Amai Prisca Mupfumira, vati mari inowanikwa uye vashandi havafanire kubatira havo hana mumaoko.

Asi vaimbova gurukota rinoona nezvehupfumi uye vave kutungamira bato rePDP, VaTendai Biti, vanoti hurumende ichamanikidzwa kudhinda mari nekuti zvinhu parizvino zvakaita manyama amire nerongo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe Doctor Gift Mugano vanotiwo hurumende panyaya iyi yakakuruimidza kumedza kutsenga ichada.

Asi VaBiti vanoti havo kana zvinhu zvakarongwa zvakanaka bhonasi inokwanisa kushandiswa kumutsiridza hupfumi.

Ko kune vemakambani akazvimirira vashandi vakapihwawo here mari dzemabhonasi? Mutevedzeri wemutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaCallisto Jokonya, vanoti makambani mashoma akapa vashandi mabhonasi nekuti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka.

VaJokonya vanotiwo mitemo yevashandi vehurumende yakasiyana neyevemakambani akazvimirira oga panyaya yemabhonasi.

Ko munguva yehurumende yemubatanidzwa VaBiti vaikwanisa kuunganidza mari iyi sei? VaBiti vanoti vainge vaine homwe parutivi yavaipota vachikanda mari munguva yemaguta.

Asi Doctor Mugano vanoti nemamiriro akaita zvinhu, pave kudiwa kuti hurumende nevashandi vayo vagare pasi kuti vaone kuti votora gwara ripi panyaya yekugadzirisa hupfumi.

Mari yakawanda yebhajeti yehurumende yagara ichienda kunobhadhara mari dzevashandi pamwedzi izvo zvopa kuti hurumende itadze kugadzirisa zvimwe zvinodiwa zvakaita sezvivakwa.

Kana vanokweretesa mari veIinternational Monetary Fund neWorld Bank vakatomboudza hurumende kuti igadzirise dambudziko iri asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG