Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChipiri vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu zvichireva kuti pavatungamiri venyika vose vepasi rino ndivo vanyanya kukwegura.
Asi VaMugabe vakazivisa vanhu panhepfenyuro yeZBC-TV kuti havasi kuzosiya basa nekuti hapana anokwanisa kutungamira mubato ravo uye ivo vachiri kuzvinzwa.
Mashoko aVaMugabe anotsinhirawo zvakataurwa nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, kuti kunyangwe vari chitunha VaMugabe vanokwanisa kuramba vachitungamira nyika.
Ko kusasiya basa kwaVaMugabe uku kunorevei chaizvo?
Munyori mukuru muZanu-PF Youth League, VaKudzi Chipanga, vanotenderana nemashoko aya vachiti VaMugabe mutungamiri hwemhando yepamusoro.
Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vanotiwo VaMugabe mutungamiri ane hungwaru kunyangwe vave mukweguri.
Mupepeti mukuru webepanhau reZimbabwe Independent, VaDumisani Muleya, vanoti nyaya yekufira muhofisi ndicho chagara chiri chido chaVaMugabe.
Mashoko aya atsinhirwawo naMuzvinafundo Heneri Dzinotyiweyi avo vati igaro ziva kuti VaMugabe havana hurongwa hwekusiya matomu.
VaMuleya vanoti zviri pachena kuti VaMugabe vakura uye kutungamira nyika kunenge kwave kuvaremera.
Muzvinafundo Dzinotyiwei vanotenderana nemashoko aya vachiti kutungamira nyika kunoda munhu anenge achitemwa dzinobva ropa.
Kunyangwe hazvo VaMugabe vakashora vamwe mubato ravo vachiti havaone paine angakwanise kutungamira, vakaratidza kuti vane chivimbo nemudzimai wavo Amai Mugabe nezvavari kuita mubato.
Izvi zvapa vamwe kuti vafunge kuti Amai Mugabe, avo vari kunzi vari kuchimwe chikwata chinonzi Generation 40, vanodawo kutungamira.
Mashoko aya anotsinhirawo naVaChipanga vachiti pari kudiwa mumwe wemhuri yekwaMugabe kuti atungamire nyika.
Asi mutauriri wesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, Va Douglas Mahiya, avo vanoonekwa sevanotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa veTeam Lacoste, vanoti izvi hazvifanire kuitika.
VaDzinotyiwei vanotsinhira mashoko ekuti VaMugabe vanoda kuti wemhuri yavo atore chigaro nekuti vanotya kuti pakangouya mumwe munhu anogona kuzofukura hapwa.
Asi VaMahiya vanoti havafunge kuti vakarwa hondo vacharega Amai Mugabe vachitora chigaro
VaMahiya vanoti sevarwi vehondo yerunusunguko vane chisungo chekuti VaMnangagwa vachatungamira bato reZanu-PF kana VaMugabe vasiya basa.
Asi vamwe vainge vari vakuru vakuru muhondo yerusununguko varamba kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti hapana chisungo chakadai. Vati munguva yehondo pakaputsika dende rine mukaka sezvo painge paine hwitakwi dzakaita samuchakabvu, Josiah Tongogara nevamwe vaive vakuru kuna VaMnangagwa.
Vatiwo vakarwa hondo vakawanda vemuZanla vari kutenderana kuti Amai Mugabe havafanire kutungamira nyika uye vari mushishi kutaurawo neveZipra vachitarisira kuita musangano mukuru mwedzi unouya.
Asi vati havasi vose vari kutsigira VaMnangagwa sezvo vari kuvapomera mhosva yehugwara. Vatiwo VaMnangagwa vange vasiri mukuru kuhondo sezviri kutaurwa naVaMahiya.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa pa University of Zimbabwe, Muzvinafundo Eldred Masungurure, vayambira kuti panogona kumboita bata murefu bata mupfupi kana VaMugabe vakafira pachigaro.
Vati havo VaMnangagwa ndivo vari pedyo pedyo nechigaro chamambo kana VaMugabe vakafira pachigaro.
Asi VaMasunungure vatiwo VaMugabe vanogona kuita zvimwe zvinhu zvinogona kusiya VaMnangagwa vari pamhene.
Kunyangwe hazvo VaMugabe vari kuti mutungamiri anobva kuvanhu, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambira kuti munyika munogona kusagadzikana kana vakafira pachigaro uye vanofanira kudoma achatora tsvimbo dzavo kana kurega vanhu vachisarudzo wavanoda kwete kupinza nyika muna taisireva kana kuramba vachiti ngoma ndedzemiti kana dzikatsemuka tinoveza dzimwe.
Facebook Forum