Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshora Maitiro eZanu-PF Murwendo rweSarudzo dza2018


Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano nevatori venhau muHarare vakakurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo nemabatirwo esarudzo kana kuti yogadzirira kuratidzira kwakasimba kubva kubato ravo.

VaTsvangirai vataura mashoko aya mushure memusangano weNational Executive yebato ravo.

VaTsvangirai vange vachiudzawo musangano uyu nezverwendo rwavo kumatunhu ose enyika uko vange vachisangana nevanhu vachinzwa pfungwa dzavo nemagariro avari kuita.

Vati zviri pachena kuti vanhu kusanganisa madzishe vari kutyisidzirwa neZanu-PF uye havakwanise kuvhota vakasungunuka musarudzo dzegore rinouya.

VaTsvangirai vati vanoda kuti muZimbabwe muitwe sarudzo dzakachena uye hurumende kana isina chainotya haifanire kutya kuti United Nations iongorore mabatirwo esarudzo.

Mutungamiri weMDC ashorawo zvikuru sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission nekurega hurumende ichiita zano ndega panyaya yekutenga muchina wekunyoresa vavhoti kana kuti Biometric Voter Registration.

Nhengo yePolitburo yeZanu-PF uye vaimbova gurukota, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti mutemo wehurumende hautenderi United Nations kutenga michina iyi.

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti hurumende ndiyo yoga yakakumbira UNDP uye vari kushamisika nenhendeshure yorohwa nehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG