Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Mabhiriyoni Mashanu Okugadzira Migwagwa Yaparadzwa neMafashamu


Mukupera kwesvondo, dunhu reMasvingo rakanaya mvura isati yaonekwa kwemakore anosvika zana.

Mvura iyi sezvayaita munzvimbo dzakawanda yaparadza hupenyu, zvipfuyo nezvivakwa.

Asi kuhurumende yabva yava gangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu nekuti vanhu munyika vagara vasina zvekudya nenzara yegore rapera uye ikozvino pabva paita rimwe dambudziko rinoda mari yakawandisa.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, Doctor Joram Gumbo, vanoti hurumende ichiri kudorongodza kuti pangadiwe mari yakawanda zvakadii asi vachiti pazvivakwa chete nemigwagwa panodiwa mabhiriyoni mashanu emadhora.

Ko mari iyi inobva kupi kana hurumende yacho ichiti haina mari?

VaGumbo vanoti vari kutarisira rubatsiro kubva kune vemabhizimisi, masangano akazvimirira uye hurumende dzekunze.

Hurumende yakazivisa kuti migwagwa yemuHarare yave kuda kuti igadzirwe nechimbi chimbi.

Izvi ndizvo zviri kunziwo zviitwe kuMasvingo nekune dzimwe nzvimbo dzekuMatabeleland dzakaita se Tsholotsho.

Asi nekuda kwehutungamiri hutsva muAmerica, zvinhu zvinogona kuomera Zimbabwe.

Mutungamiri weAmerica mutsva, VaDonald Trump, vanoti vanoda kudzikisa mari inopihwa dzimwe nyika nehurumende yavo voiendesa kumauto nekurwisa hugandanga.

America ndiyo inopa Zimbabwe rubatsiro rwakawandisa zvichienzaniswa nedzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti kuparadzwa kwezvivakwa kunokanganisa zvikuru nyaya yezvehupfumi.

VaChitambara vanotiwo hurumende yange yagara kwemakore isingagadzirewo zvivakwa zvayo.

Mashoko aya atsinhirwawo nemumiriri weMutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, avo vanoti hurumende yeZanu-PF haina hany'a nevanhu.

saruwaka
saruwaka

VaSaruwaka vanoti mudunhu ravo kune zvakawanda zvakaparadzwa nemvura zvinoda kugadziriswa asi Zanu-PF inopedza mari ichiita bhavhudhe remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Bhavhadhe raVaMugabe rinonzi rakadya mari inodarika madhora mamiriyoni maviri ane chidimbu.

Mugabe bash 2017-
Mugabe bash 2017-

Mari iyi yakawanda zvikuru zvekuti inogona kugadzirisa zvimwe zvivakwa.

Asi mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti hurumende iri kuyedza nepose painogona napo kugadzirisa dambudziko rawira nyika.

Asi vanoti havo kuparadzwa kwemigwagwa kuri kukanganisa vemabhizimisi vachiti vazhinji havana kunge vaine insurance dzakaita sedzemafashamu.

VaGumbo vanoti nyaya yezvirango yakatemerwa nyika ndiyo inopa kuti itatarike.

Vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanoti kana migwagwa nezvivakwa zvisina kugadzirwa zvinopa kuti vekunze vanenge vachida kupinda munyika vafunge kaviri. VaBiti vanoti izvi zvakaipa nekuti hurumende yagara ichitatarika kukwezva vekunze.

Tendai Biti
Tendai Biti

VaBiti vanoti migagwa yakawanda yakapedzisira kugadzirwa munguva yeRhodesia.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hadzitarisire kuti hupfumi hwenyika huchagadzikana kana zvivakwa zvisina kugadziriswa sezvo dzimwe nzvimbo dzasiiwa dziri zvitsuva.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG