Accessibility links

Breaking News

America Yoshora Hurumende yeZimbabwe neKutyora Kodzero dzeVanhu


VaDonald Trump
VaDonald Trump

America inoti hurumende yeZimbabwe kuburikidza nemapurisa, vasori nemauto iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu munyika.

Izvi zviri mugwaro richangobuditswa nebazi reState Department rinoongorora nyaya dzekodzero dzevanhu rinonzi State Department Human Rights Report 2016.

Gwaro iri rinodorongodza nyaya dzekodzero dzevanhu uye huwori hunonzi hunenge huchiitika munyika dzakawanda pasi rose.

MuZimbabwe zvinonzi nyaya yekuita vanhu kafiramberi ichiri kuitwa kunyangwe uku kuri kutyora kodzero dzevanhu.

Semuenzaniso, mapurisa muHarare anonzi akapfura nekuuraya VaPassmore Mazariro kumba kwavo vachifungidzirwa kuti vainge vaba nharembozha.

Mapurisa anonzi haanawo zvaari kuita kutsvaga murwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara vave nemakore maviri vapambwa.

Hurumende inonzi haisi kuongororawo mhosva dzekupondwa kwevanhu munguva yeGukurahundi uye musarudzo dzose dzapfuura.

Kupambwa kwevanhu kusanganisira vanoita zvemitambo, VaSylvanos Mudzvova, kunonzi kuri kuenderera mberi.

Mapurisa, mauto nevasori avo vanonzi vari pasi pehofisi yemutungamiri wenyika vari kutyorawo kodzero dzevanhu asi vasina zvavanoitwa.

Masangano aya ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanopikisa kunyangwe vachiratidzira murunyararo.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mushowe, uye munyori mubazi ravo vari mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vanonzi vanotaura mashoko ekutyisidzira vatori venhu.

Nyaya yehuwori inonzi yatekesherawo uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vari kushorwawo nekuburitsa muhusungwa muHarare vamwe vana muzvinabhizimisi gore rapera vachishandisa masimba avo mbune kwete mutemo wenyika.

Asi vaimbova gurukota uye nhengo yePolitburo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vati gwaro iri harisi kutaura chokwadi panyaya yekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti hurumende yaVaMugabe inogara yakazivikanwa nekutyora kodzero dzevanhu..

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG