Accessibility links

Breaking News

Kutengeswa kweMidziyo yeVagari Kwokonzera Mutauro muHarare


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

Paita ropa rakaipa pakati pameya weHarare, VaBernard Manyenyeni, nevakafanobata chigaro chemunyori weguta, Amai Josephine Ncube, panyaya yezvikwereti zvine vagari, hurumende uye makambani akazvimirira kukanzuru.

VaManyenyeni vanonzi vakambomisa nyaya yekutengeswa kwemidziyo yevagari vane zvikwereti kukanzuru nekambani inonzi Wellcash Debt Collectors.

Asi Amai Ncube vanoti hapana kudududza panyaya iyi. Kanzuru inoti vagari, mapazi ehurumende nemakambani vane zvikwereti zvinodarika mamiriyoni mazana matanhatu.

Mashoko aya anotsinhirwa nemutauriri weguta reHarare City Council VaMichael Chideme.

Sachigaro wesangano revagari reCombined Harare Resident’s Association, VaSimbarashe Moyo, vaimbenge vatambira mashoko ameya nemufaro vachiti vagari vakaomerwa sezvo munyika musina mabasa.

VaMoyo vanoti kunyangwe midziyo yevagari iri kutengeswa hakuna zviri kubatsira nekuti mari iri kuwanikwa kumaauction haina chairi kubatsira.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaCallisto Jokonya, vatiwo kune vemakambani zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Hatina kukwanisa kunzwa kuhurumende kuti sei isiriwo kubhadhara zvikwereti kukanzuru sezvo nharembozha yegurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, yange isiri kudairwa.

Asi pangaitwe sei kugadzirisa dambudziko iri kuti makambani asavharwe uye kuti vagari vasatengeserwe midziyo?

VaChideme vanoti chido chavo ndechekuti paitwe nhaurirano nevane zvikwereti.

VaMoyo vanoti vagari vanodawo kuti vapihwe mukana wekubhadhara pashoma pashoma.

VaJokonya vatiwo zvakakosha kuti vanhu vose munyika vagare pasi kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru.

Muna 2013 hurumende yakambokanganwira vanhu vose zvikwereti kukanzuru nezvemagetsi kukambani yeZESA.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti vanoona hurumende ichikanganwira vanhu zvikwereti.

Asi VaMabenge vatiwo zvakakosha kuti mari inenge yabhadharwa yemitero ishandiswe zvakanaka kwete kuti mamaneja ekanzuru anenge achidya norivha asi basa risiri kuitwa.

Nyaya yekuti muhomwe mekanzuru inhava izere mhepo yapawo kuti kanzuru itadze kubhadhara zvikwereti kuZIMRA, National Social Security Authority uye kuHarare Municipal Medical Aid Society.

Vanhu vakawanda munyika havana mabasa zvapa kuti kune vakawanda zvabva zvaita kuti pashaye chembwa tenzi vararira mutakura.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG