Accessibility links

Breaking News

Rwendo rwaVaMugabe kuGhana Rwokonzera Mutauro


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vafumobata jongwe muromo vakananga kuGhana kumhemberero dzechimakumi matanhatu nyika iyi yawana kuzvitonga kuzere.

Mabiko aya aitirwa paBlack Star Square muAccra guta guru renyika iyi. Ghana ndiyo nyika yekutanga muAfrica kuwana kuzvitonga kuzere kubva kuBritain muna 1957 ichitungamirwa naVaKwame Nkrumah.

Vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vange vari pamhemberero idzi vanosanganisa muutungamiri weLiberian Amai Ellen Johnson Sirleaf, mutungamiri weIvory Coast, VaAlhassane Outtara, mutungamiri weTogo, VaFaure Gnassingbé, uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeZambia, Amai Inonge Wina.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaJacob Zuma, nevamwe vatungamiri vanonzi vakafonera mutungamiri wenyika yeGhana VaNana Addo Akufo-Addo ndokuvakorokotedza.

Asi vamwe vari kushora VaMugabe nekuita sevakarumwa nedzvatsvatsva vachiramba vachifamba nendege iyo nyika yakatarisana nematambudziko akawanda kusanganisa mafashamu emvura auraya vanhu vanodarika mazana maviri.

Asi mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vanoti rwendo urwu rwakakosha sezvo Ghana iri iyo nyika yakatanga kuwana kuzvitonga kuzere ichizobatsirawo nyika dzakaita seZimbabwe kurwisa vadzvinyiriri.

VaMugabe vainge vakaroorawo kuGhana mudzimai wavo wekutanga Amai Sally Mugabe. Vaviri ava vakasangana VaMugabe pavainge vari murairidzi munyika iyi.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza veZanu PF, vanoti hapana chakaipa parwendo rwaVaMugabe sezvo vari kusimbisa hukama nedzimwe nyika.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vanoti urwu rwendo haruna nematuro ose uye VaMugabe vaikwanisa kutumira mumwe wevatevedzeri vavo.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG