Murwiri wekodzero dzevanhu uye vaive mutori wenhau, VaItai Dzamara, avo vakapambwa muna Kurume 2015 nevanofungidzirwa kuti vasori, vapihwa mubayiro nesangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International. Mubayiro uyu unonzi Lifetime Achievement Award.
VaDzamara vapihwa mubayiro uyu pamwe nemamwe madzimai anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira Amai Berta Cáceres vekuHonduras, Amai Narges Mohammadi veku Iran, uye Amai Sirikan Charoensiri vekuThailand.
Chipangamazano musangano reAmnesty International, Amai Anna Neistat, vanoti VaDzamara munhu akashinga kurwira kodzero dzevanhu munyika yeZimbabwe iyo vati inotongwa nedemo nemutungamiri wenyika varobert mugabe.
Kunyangwe hazvo dare repamusoro rakati mapurisa atsvage VaDzamara, kusvika pari zvino havasati vawanikwa.
Mhuri yavo inoti haina chivimbo nezviri kuitwa nemapurisa pakutsvaga VaDzamara.
Asi mapurisa anoti haana humbowo hwakati tsvikiti.
Mudzimai waVaDzamara, Amai Sheffra Dzamara, vati vari kunzwa kufara nemubayiro wakapihwa murume wavo.
Facebook Forum