Accessibility links

Breaking News

Kunorapwa kuSingapore kwaVaMugabe Kwokonzera Mutauro


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChitatu vakasimuka munyika vakananga kuSingapore uko vanonzi vari kuenda kunoona vanachiremba vavo.

Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vanoti rwendo urwu rwakagara rwarongwa kare uye VaMugabe vanotarisirwa kudzoka svondo rinouya.

Asi izvi hazvisi kumisa vanhu kutaura sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga pose panobuda vamugabe munyika.

VaMugabe vari kuenda kunorapwa kunze uku munyika vanachiremba navanamukoti vari mukuramwa mabasa uye vamwe vashandi vehurumende vazivisa kuti vave kupinda mukuramwa mabasa kutanga neMuvhuro.

Hurumende inoti haina mari asi nenzendo dzaVaMugabe kunze dzinonzi dzinodya mari yakawanda.

Munyika mune matambudziko emafashamu emvura asiya vakawanda vasina pekugara.

Mubato reZanu-PF hamunawo kugadzikana sezvo nemakore aVaMugabe pane kunetsana panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chavo.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera havo kubato reZanu-PF, VaGadzira Chirumuanzu, vanoti hapana chakaipa kuti VaMugabe vaende kunorapwa uye hapana chinokanganisika munyika nekuti vane vatevedzeri vavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti VaMugabe vanofanira kuenda pamudyandigere nekuti havachakwanise kuita basa nemazvo nenyaya yekukwegura.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaGadzira Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG