Accessibility links

EU Inowedzera neGore Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe neMudzimai Wavo

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe

Apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu nemusi weChipiri, sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union rawedzera nerimwe gore zvirango zvakatemerwa VaMugabe, mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, uye kambani yeZimbabwe Defense Industries.

Zvirango izvi zvakatanga kutemerwa Zimbabwe muna 2002, uye pachine kukakavadzana kuti zviri kushanda here kana kuti kwete.

Zimbabwe yakatemerwa zvirango izvi ichipomerwa mhosva yekutonga nedemo uye kubirira musarudzo.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vanotendarana nemaonero aVaMugabe pazvirango zvakatemerwa Zimbabwe neEU izvi.

VaGumbo vanoti zvirango izvi zvakanganisa hupfumi zvekuti nemafashamu emvura ariko, hurumende haina kana pekutangira.

Asi vanopikisa vanoti Zanu-PF ndiyo yoga inokokera mhepo yakatakura mamera sekutaura kwemutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti.

VaBiti vanoti chauraya hupfumi handi zvirango asi kuti kutadza kutonga.

Mashoko aya anotsinhirwa nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwai, vanoti Zanu-PF ine pfini inenge yenda inoruma akaitakura nekudaro ndokusaka ichibatwa seyakageza negoka munyama.

Asi zvirango izvi zviri kushanda here kana kuti kupedzera hoko padehwe retsindi?

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda neHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti chati homu chareva.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvirango zvakatemerwa VaMugabe zvitori nani pane zvakatemerwa vaive mutungamiri wehurumende yeRhodesia, VaIan Smith, muna 1965 neBritain uye United Nations mushure mekunge yaita zano ndega ichiti yave kuzvitonga kana kuti Unilateral Declaration of Independence, UDI.

Muna Ndira 1966, mutungamiri wehurumende yeBritain, VaHarold Wilson, vakaudza nyika dze Commonwealth kuLagos, Nigeria kuti zvirango izvi zvaizodonhedza hurumende yeRhodesia mukati memavhiki kana mwedzi mishoma shoma.

Asi zvirango zvehupfumi izvi zvakatopedza makore kusvika muna 1979 VaSmith vari panyanga.

Rhodesia yakatanga kugadzira zvinhu zvayo munyika kutsiva zvekunze kana kuti import substitution industrialization zvakapa kuti VaMugabe vawane nyika iine hupfumi heakasimba muna 1980 pakawana nyika kuzvitonga kuzere.

Asi iko zvino hupfumi hwenyika hwagwadama vanhu vakawanda vasina mabasa vakawanda vachinonga svosve nemuromo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG