Vebazi rekuchengetedzwa kwemhuka reZimbabwe National Parks and Wildlife vanoti vapa mapurisa humbowo hunoratidza kuti Amai Grace Mugabe, mudzimai wevaive mutungamiri wenyika VaRobert mugabe vaiita zvehuori pakuburitswa kwenyanga dzenzou munyika vachishandisa vakuru vevasori.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaNelson Chamisa nemusi weSvondo vakaenderera mberi nekuita misangano vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino.
Kuramwa mabasa kwavanachiremba kuri kuenderera mberi kunyangwe hazvo zviri kunzi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kunzi vakavakumbira kuti vadzokere zvichemo zvavo zvichitariswa.
Bepanhau reSunday Mail rinoti mudzimai wevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe vari kuferefetwa nenyaya dzehuori pakutengeswa kwemangoda, goridhe uye nyanga dzenzou.
Hurumende yave mubishi kuyedza kutora chikwereri chekambani yeZiscosteel chinosvika mamiriyoni mana nemakumi mapfumbamwe nemashanu kana kuti 495 million kuyedza kuti kambani iyi ikwanise kukwezva vekunze kuti vatanga basa sezvo kwapera makore kambani iyi yavharwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaudza vatori venhau kuRwanda kumucheto wemusangano weAfrican Union kuti havasi kushaiswa hope nemashoko ari kutaurwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekuti vakabvuta masimba vachishandisa mauto.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi wa 14 Kurume vakawandudza mutemo wekuenda hupfumi kuvatema uyo unoshorwa zvakanyanya nevamwe uchinzi unopa kuti vekunze vasauye kuzotanga mabhizimisi munyika.
Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Mxolisi Ngwenya vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.
Vagari vekuBeitbridge vanonzi vanogona kutadza kuvhota musarudzo dzegore rino mushure mekunge mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanzi nenyanzvi munyaya dzemitemo vainge vatyora bumbiro remitemo nekupatsanura dhorobha iri mumawadhi matanhatu.
Vashandi vebazi rezvekupinda nekubuda kwezvinhu munyika kana kuti immigration department nemusi weChishanu vakaratidzira muHarare vachiti vakuru vakuru rebazi iri avo vaimbova mapurisa vari kutyora kodzero dzevashandi uye kuita zvehuori.
VaMugabe vakati VaMnangagwa havaimbokwanisa kunge vakaenda pachigaro chekutungamira nyika vasina rubatsiro rwemauto, ayo vanoti akavabatsira.
Kushanya kwemukuru weUNDP VaAchim Steiner kwatambirwa zvakanaka nebato reZanu-PF nerinopikisa reMDC-T semhunhongedzo wekuti nyika inofanira kuita sarudzo dzakachena dzinotambirwa nepasi rose.
ZEC inoti chirongwa chemop up chekuenda pedyo nemisha yevanhu chakapera hacho asi vanhu vanoda kunyoresa kuvhota vakasununguka kuenda kumahofisi mumatunhu ose enyika kunonyoresa kuvhota.
Mukuru webazi reUnited Nations Development Program VaAChim Steiner vari kutarisirwa munyika mangwana mukushanya kwemazuva mana.
Confederation of Zimbabwe Industries inoti vemabhizimisi vanofanira kukoshesa kutengesa zvinhu kunze kwenyika kuti vawane mari yekunze, kwete kuramba vakatarisira kununurwa neReserve Bank of Zimbabwe.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kupesana pfungwa panyaya yekuti Zimbabwe inowana chouviri here pazambuko reKazungula kana kuti kwete. Zambuko iri riri pakati peZambia neBotswana.
Kuratidzira uku kwakatanga musi wa27 Ndira. Kubva gore rapera vashandi vange vachingopihwa chikamu chete chemari yavo yemuhoro zvakapa kuti madzimai avo apindire.
Mumwe mupurisa sajeni Thompson Joseph Mloyie vakakandwa mujeri kwemazuva gumi vachivapomera mhosva yekutuka vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe muna 2016.
Sachigaro wesangano revaongorori vesarudzo veSADC Electoral Advisory Council vaita misangano nevatori venhau Leshele Thohlane nemusi weMuvhuro vakaita musangano negurukota rezvekudyidza nedzimwe nyika Dr Sibusiso Moyo kumahofisi avo eMunhumutapa muHarare.
Vari kuda kusangana naVaMnanagwa vanosanganisawo vanachimbwido navanamujibha nevamwe vakambosungwa munguva yehondo.
Rodhai zvimwe