Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votaura nezveMusangano Wavo paNzvimbo kuMash. Central


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaNelson Chamisa nemusi weSvondo vakaenderera mberi nekuita misangano vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino.

VaChamisa vange vari paNzvimbo Growth Point kuChiweshe Mashonaland Central.

Vaudza Studio 7 kuti zviuru nezviuru zvevanhu zvauya pamusangano wavo uye vati vanhu vavatambira zvakanaka munzvimbo yavaimbotambirwa nezvibhakera.

Panyaya yekupatsanuka kwaita bato ravo mushure mekunge National Executive Council yati yadzinga mutevedzeri wemutungamiri webato Amai Thokozani Khupe nevamwe, VaChamisa vati chaive chido chavo kuti varambe vakabatana asi havana zvakawanda zvavangaita sezvo vakadzingwa mubato vainge vatsika madziro panyaya yekubatana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG