Accessibility links

Breaking News

Mupurisa weKutuka VaMugabe neMudzimai Wavo Okandwa Mujeri kweMazuva


VaRobert Mugabe naAma Grace Mugabe

Mumwe mupurisa sajeni Thompson Joseph Mloyie vakakandwa mujeri kwemazuva gumi vachivapomera mhosva yekutuka vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe muna 2016.

Vanonzi vakataura mashoko ekuti vaive mutungamiri wenyika mugore iri, VaMugabe vainge vakwegura zvekutadza kutungamira nyika uye vakashorawo kuroora kwavo Amai Grace Mugabe vachiti yaive pfambi.

Mashoko aya anonzi akataurwa kukamba yemapurisa yeCranborne Police Station. VaMloyie vanonzi vakatyora mutemo wePolice Act sezvo vakasvibisa zita remapurisa.

Mapurisa anoti VaMloyie vainge vakadhakwa. Mamwe mapurisa maviri sajeni Stanley Makunda uye sajeni Amos Muchenjero vakapawo huchapupu.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vanoti vashamisika zvikuru nemutongo uyu vachiti magweta avo ange achimirira sajeni Mloyie achaona kuti opikisa here mutongo wacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG