Sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC rinoti vanhu vanosvika zviuru gumi nezvipfumbamwe nemazana mapfumbamwe ane makumi mapfumbamwe vanyoresa kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzegore rino kubva zvakapera chimwe chirongwa chekunyoresa vamwe vainge vasaririra kana kuti mop-up exercise.
ZEC inoti chirongwa chemop up chekuenda pedyo nemisha yevanhu chakapera hacho asi vanhu vanoda kunyoresa kuvhota vakasununguka kuenda kumahofisi mumatunhu ose enyika kunonyoresa kuvhota.
Sachigaro weZESN VaAndrew Makoni vanoti sesangano vari kufara zvikuru nehuwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota ava richiti izvi zviri kuburitsa kuti vanhu vakawanda vakapihwa mukana zvekare wekuti ZEC iende pedyo nemisha yavo vanokwanisa kunyoresa kuvhota.
Vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matatu ndivo vakanyoresa kuvhota musarudzo kusvika parizvino.
Sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa pakati pa31 Chikunguru na31 Nyamavhuvhu pazuva rinenge ratarwa nemutungamiri wenyika.
Facebook Forum