Vebazi rekuchengetedzwa kwemhuka reZimbabwe National Parks and Wildlife vanoti vapa mapurisa humbowo hunoratidza kuti Amai Grace Mugabe, mudzimai wevaive mutungamiri wenyika VaRobert mugabe vaiita zvehuori pakuburitswa kwenyanga dzenzou munyika vachishandisa vakuru vevasori.
Nyanga idzi dzinonzi dzimwe nguva dzaibuditswa dzichinzi dzaive zvipo kuvanhu vari kuamerica, china, dubai nedzimwe nyika.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti mapurisa achangotanga kuferefeta nyaya iyi uye zvinogona kutora nguva sezvo vachitevedza mitemo yose pakuita basa ravo. Amai Mugabe vari kupomerwawo mhosva yekuita zvehuori pakutengeswa kwegoridhe nemangoda.
Mutauriri weNational Parks VaTinashe Farawo vati vakapa mapurisa humbowo hwose hwekubiwa kwenyanga dzenzou nevasori vaiti vaitumwa naAmai Mugabe. Hatina kukwanisa kubata Amai Mugabe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Asi mutungamiri webato idzva reNational Patriotic Front VaAmbrose Mutinhiri vati zviri kuitwa ndezvematongerwo enyika sezvo paine kufungidzirwa kuti mhuri yaVaMugabe iri kuvatsigira.
VaMutinhiri vakaita musangano naVaMugabe kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale muHarare asi vanoti mhuri yaVaMugabe haisi nhengo dzebato.
Facebook Forum