WASHINGTON —
Kuramwa mabasa kwavanachiremba kuri kuenderera mberi kunyangwe hazvo zviri kunzi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kunzi vakavakumbira kuti vadzokere zvichemo zvavo zvichitariswa.
Asi vanachiremba vanoti chakachenjedza ndechakatanga sezvo vave nenguva vachingoudzwa mashoko akadai nehurumende pasina chinopuda.
Vari kutiwo havachina chivimbo negurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa.
Hatina kukwanisa kubata Dr Parirenyatwa sezvo nharembozha yavo yange ichinetsa.
Asi mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Mxolisi Ngwenya vanoti vachadzokera kubasa kana zvose zviri kuvimbiswa nehurumende zvanyorwa pasi.
Facebook Forum