Accessibility links

Breaking News

Kuwandirwa neBasa Kwotadzisa VaMnangagwa Kusangana neVakarwa Hondo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Munyori mukuru musangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vanoti nyaya yekuwandirwa nebasa ndiyo iri kupa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonoke kuita misangano nevakarwa hondo yerusununguko nevamwe vane chekuita nehondo.

VaMnangagwa kubva zvavasarudzwa vange vachifamba kunyika dzakawanda zvikuru muSADC vachitsanangura zvakaitika kuti vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabviswe pachigaro.

Pane masangano akawanda ari kuda kusangana naVaMnangagwa kuti vazeye zvichemo zvavo.

Vari kuda kusangana naVaMnanagwa vanosanganisawo vanachimbwido navanamujibha nevamwe vakambosungwa munguva yehondo.

VaMatemadanda vaudza Studio 7 kuti zvinonetsa kuti paitwe musangano mukuru mumwe chete nekuti vanhu vanoda zvakasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG