Accessibility links

Breaking News

ZLHR Yoshoropodza Kusungwa kweMadzimai paMugodhi weHwange


Madzimai ane varume vanoshanda paHwange Colliery vakasungwa mushure mekuratidzira.
Madzimai ane varume vanoshanda paHwange Colliery vakasungwa mushure mekuratidzira.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kushora zvikuru kusungwa kwakaitwa mamwe madzimai anosvika masere kuHwange Colliery avo vaive vavaka musasa pakambani iyi senzira yekuratidzira kusafara kwavo nekuti varume vavo vanoshanda pakambani iyi vainge vapedza makore vasina kupihwa mari yemihoro.

Kuratidzira uku kwakatanga musi wa27 Ndira. Kubva gore rapera vashandi vange vachingopihwa chikamu chete chemari yavo yemuhoro zvakapa kuti madzimai avo apindire.

Mutauriri weZLHR VaKumbirai Mafunda vanoti zvinoshamisa kuti madzimai aya ari kupomerwa mhosva yemhirizhonga asi vasina kumbobata kana dombo zvaro.

Madzimai aya akamiswa pamberi pedare Chishanu chapfuura uye vari kutarisrwa zvakare kudzoka kudare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG