Accessibility links

Breaking News

Mukuru weUNDP Oshanyira Zimbabwe Kuzotaura Pamusoro peSarudzo dza2018


Mukuru webazi reUnited Nations Development Program, VaAChim Steiner, vari kutarisirwa munyika neChina mukushanya kwemazuva mana.

Mumashoko kuvatori venhau, UNDP yati inoda kuona kuti ingabatsire sei Zimbabwe kuti iite sarudzo dzegore rino.

UNDP yagara iri kubatsira sangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, nemari nezvimwe.

ZEC inoti yakapihwa mari inosvika zviuru mazana mapfumbamwe asi iyo ichida mari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu.

VaSteiner vari kutarisirwa kuita misangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemakurukota avo, makomisheni ane chekuita nezvesarudzo anosanganisira Zimbabwe Human Rights Commission, Zimbabwe Electoral Commission, National Peace and Reconciliation Commission, Gender Commission uye masangano akazvimirira akaita seZimbabwe Election Support Network neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Sachigaro weZESN, VaAndrew Makoni, vati vari kutarisira kusangana naVaSteiner nemusi weMugovera uye vachavaudzawo nezvemamiriro akaita zvinhu munyaya dzesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG