Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshora VaMugabe vachiti Vave Kukanganwa Zvinhu neKuchembera


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaudza vatori venhau kuRwanda kumucheto wemusangano weAfrican Union kuti havasi kushaiswa hope nemashoko ari kutaurwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekuti vakabvuta masimba vachishandisa mauto.

VaMugabe vakaudza vatori venhau kuti nyaya iyi ikasagadziriswa nekutaurirana vachashanda nevanopikisa musarudzo dzegore rino.

Asi VaMnangagwa vakati VaMugabe semunhu ane makore makumi mapfumbamwe nemana vakwegura zvekuti vave kukanganwa zvimwe zvinhu zvavanenge vachitaura.

Vakati havo vanongoremekedza VaMugabe semunhu mutema akatungamira nyika yeZimbabwe kekutanga. VaMnangagwa vakati kunyangwe VaMugabe vainge vati vanogona kuvhotera vanopikisa, vakabvunzwa zvekare ikozvino vanenge voti vanovhotera ivo VaMnangagwa nenhau yekuchembera.

VaMugabe vari kunzi nevamwe vari kutsigira bato rinopikisa reNational Patriotic Front riri kutungamirwa naVaAmbrose Mutinhiri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG