Accessibility links

Breaking News

VeMDC-T neZanu-PF Votambira Kupinda muNyika kweMukuru weUNDP


VaAchim Steiner
VaAchim Steiner

Kushanya kwemukuru weUNDP VaAchim Steiner kwatambirwa zvakanaka nebato reZanu-PF nerinopikisa reMDC-T semunhongedzo wekuti nyika inofanira kuita sarudzo dzakachena dzinotambirwa nepasi rose.

Kushanya kwaVaSteiner uku kuri kuuuya apo SADC yakatotumirawo chikwata chayo chevaongorori vesarudzo ukuwo mutungamiri wenyika yeSouth Africa varizve sachigaro weSADC vaCyril Ramphosa vari kutarisirwa munyika nemusi weMugovera kuzotaurawo nenyaya yesarudzo nezvimwe nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

UNDP iri kubatsira Zimbabwe zvakanyanya kuburikidza nesangano reZimbabwe Electoral Commission zvikuru pachirongwa cheBVR nekudzidzisa vanhu.

Munyori mukuru muMDC- T VaDouglas Mwonzora vanoti United Nations inofanira kuona kuti Zimbabwe yaita sarudzo dzakachena.

Asi mutevedzeri wemunyori wezvemutemo muZanu-PF VaFortune Chasi vanoti hurumende yatoita zvakawanda kuti paitwe sarudzo dzakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG