Accessibility links

Breaking News

Magweta Opomera VaMnangagwa Mhosva Yekutyora Bumbiro reMutemo Zvinogona Kutadzisa Beitbridge Kuvhota


VaEmmerson Mnangagwa

Vagari vekuBeitbridge vanonzi vanogona kutadza kuvhota musarudzo dzegore rino mushure mekunge mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanzi nenyanzvi munyaya dzemitemo vainge vatyora bumbiro remitemo nekupatsanura dhorobha iri mumawadhi matanhatu.

Magweta anoshanda nesangano reViritas anoti izvi zvakaitwa kuburikidza negwaro rehurumende reGovernment Gazette musi wa 9 Kurume iro rakati Beitbridge haichava manisipariti asi kuti guta.

VaMnangagwa vanonzi vaishandisa mitemo midiki yekutongwa kwematunhu yeUrban Councils Act and Rural District Councils Act.

Asi mitemo iyi kana isingafambirane nebumbiro guru haishande. Pasi pebumbiro remutemo, Zimbabwe Election Commission chete ndiyo inokwanisa kutara kana kucheka mawadhi panyaya dzekuvhota.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo Doctor Alex Magaisa vanoti ichokwadi kuti zvakaitwa naVaMnangagwa hazvisi pamutemo uye zvinofanira kugadziriswa.

Vanoti aka hakasi kekutanga izvi zvichiitika nekuti vakamboita zvimwe chete pakudoma makurukota ehurumende izvo vakazogadzirisa vamwe voda kuvaendesa kumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG