Accessibility links

Breaking News

SADC Yoita Misangano Yekuongorora Mamiriro Akaita zveSarudzo muNyika


Sachigaro wesangano revaongorori vesarudzo veSADC Electoral Advisory Council vaita misangano nevatori venhau VaLeshele Thohlane nemusi weMuvhuro vakaita musangano negurukota rezvekudyidza nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo kumahofisi avo eMunhumutapa muHarare.

VaThohlane nechikwata chavo vakapinda munyika nemusi weSvondo kuzotanga kugadzira hwaro hwekuongorora sarudzo dzemunyika.

Vaudza vatori venhau kuti vachashanya muZimbabwe kwevhiki rose vachitaura navose vane chekuita nesarudzo kusanganisa mapato ezvematongerwo enyika, vanoongorora sarudzo, vatori venhau nevamwe.

VaThohlane vati vanoda kuona kuti Zimbabwe yakagadzirira zvakakwana here kuita sarudzo idzi dziri kutarisirwa pakati paChikunguru 31 naNyamavhuvhu 31 pazuva rinoziviswa nemutungamiri wenyika.

Vati kana vapedza kuita ongororo yekuona kuti Zimbabwe yakagadzirira here sarudzo, vachanyora gwaro kumunyori mukuru weSADC kana kuti Executive Secretary Doctor Stergomena Lawrence Tax.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaBrigs Bomba vanoshanda nesangano reTrust Africa vanoti zvakanaka kuti SADC iuye paine nguva kwete zvayaiita mumakore akare zvekuuya sarudzo dzasarwa nemazuva mashoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG