Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kutora Chikwereti Chose cheZiscosteel


Hurumende yave mubishi kuyedza kutora chikwereri chekambani yeZiscosteel chinosvika mamiriyoni mana nemakumi mapfumbamwe nemashanu kana kuti US$495 million kuyedza kuti kambani iyi ikwanise kukwezva vekunze kuti vatanga basa sezvo kwapera makore kambani iyi yavharwa.

Kutanga neMuvhuro kusvika China svondo rinouya, komiti yedare reparamende inoona nezvehupfumi ichange ichinzwa pfungwa dzevanhu.

Misangano ichaitwa mudare reparamende muHarare nenguva dza 10 mangwanani neMuvhuro, Kwekwe Theatre neZisco Club nenguva dza 2.00 masikiati neChipiri.

Gweru Theatre nemusi weChitatu nenguva dza10 kkozoti kuBulawayo Rainbow Hotel nemusi weChina na 9 mangwanani.

Vasingakwanise kupinda mumisangano iyi vanokurudzirwa kutumira tsamba kana tsambambozha izvi zvinosanganisa vari kunze kwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti kutora chikwereti cheZiscosteel kuchapa kuti chikwereti chehurumende chirambe chichikwira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG