Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vowandudza Mutemo weKuendesa Hupfumi kuVatema


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi wa 14 Kurume vakawandudza mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema uyo unoshorwa zvakanyanya nevamwe uchinzi unopa kuti vekunze vasauye kuzotanga mabhizimisi munyika.

VaMnangagwa vakazoisa runyoro rwavo pachibvumirano chainge chaitwa nehurumende ichiri kutungamirwa naVaRobert Mugabe chekuti hurumende ingokwanisa kutora zvikamu zvakawanda kana kuti mashares muzvicherwa zvakaita semangoda neplatinum chete asi zvimwe zvose vekunze vanokwanisa kutora hazvo zvikamu zvakati wandei.

Mutemo waimboti vekunze vanokwanisa kuva nezvikamu zvisingadarike makumi mashanu kubva kuzana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDevry University kuOhio, Doctor Elliot Masocha vanoti zvaitwa naVaMnangagwa zvichabatsira kukwezva vekunze vanoda kupinda munyaya dzekuchera mangoda neplatinum.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG